Kunyangwe hazvo gungano re Social Good Summit negungano re mubatanidzwa wenyika, United Nations General Assembly dzakapera, hurukuro dzebudiriro dziri kuendera mberi. Bhanga renyika rakoka nyika dzese kumusangano unoitwa kamwe pagore. Zimbabwe yakamirirwa nagavhuna webhanga guru mu Zimbabwe va John Mangudya. Kumusanagano uyu hurukuro dziri kuitwa pamusoro pezvikwereti zvenyika uye pamusoro pezvingaitwa kuti nyika dzibudirire. Naizvozvo vanhu vari kutemesana musoro nekuda kwenyaya dzeupfumi, nemari nezvikwereti. Asi ini ndinofunga kuti tnofanira kugadzirisa chikonzero chinoita kuti musoro uteme, kwete kuedza kurapa kutema kwemusoro tichisiya zvikonzero. Africa, kusanganisira Zimbabwe, ine upfumi huzhinji. Tine goridhe, mafuta edzimotokari, nezvimwe zvicherwa zvakawanda. Vanhu vedu vakadzidza, tine ivhu rakawanda uye kushandiswa kwedzinhare mbozha nemakompuyuta kuri kuwedzera zvikuru.

Asi hurombo nezvikwereti nezvirwere zvakatekeshera. Dambudziko riri pamatongerwo enyika nekuzvitonga kwatiri kuita. Huori muhurumende huzere, sarudzo dzevatungamiri dzinoitwa nenzira isiri iyo, mitemo yatakaisa haisi kutedzerwa uye ma policies atinoisa haasi kushanda. Ndine chokwadi kuti tikagadzirisa matongerwo enyika nehutungamiriri tinokwanisa kubudirira se Africa. Ramangwana re Africa riri mumaoko aro, hatingamirire nyika dzekumadokero kuti dziuye dzigotiudza kuti tofanira kuzvitonga sei uye kuti tofanira kuita sei kuti tibudirire. Mutungamiri we Kenya, va Uhuru Kenyatta, vakataura vachiti, “nguva yasvika kuti vanhu vemu Kenya varonge pachavo kuti voita sei kuti vawane ramangwana ravanoshuvira.” Mashoko aya haasi e Kenya bedzi asi ndeemunhu wese wemu Africa. Africa igumbeze redu, tofuka kana kuwarira sekuda kwedu.

Tega tinogona kubudirira tikabvisa huori, vatongi vakatonga sekuda kwevanhu vakavasarudza, mitemo ikatevedzerwa uye tikaisa vanhu vane unyanzvi kuti vatungamirire mapazi akasiyana siyana. Panyaya yebudiriro tofanira kuziva kuti hatigone kupatsanisa zvematongerwo enyika nebudiriro. Zvinyorwa zvakawanda zvinoratidza kuti nyika dzinotungamirwa nekutongwa zvakanaka, dzine budiriro inopfuura nyika dzisina matongerwo akanaka. Yambiro yangu ku Africa, ngatiregei kuramba tiri chisekwa chenyika, ngatigadzirisei nyaya dzehutangamiriri nematongerowa, ndizvo kuti tibudirire

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *